
VaHopewell Chin’ono vachinyora padandemutande ravo reTwitter vanoti:
Zimbabwe ndiyo nyika ine mafuta ekufambisa anodhura zvakanyanya pasi rose nekuda kwe ZANUPF rinova bato rakazara matsotsi uye huori
Mafuta eZambia akachipa asi anopfuura nemuZimbabwe, saka hazvina chekuita panyaya dzekutakurwa kwezvinhu, asi mutero ndiwo wakanyanya, mari yemuZimbabwe yapera kubiwa izvo zviri kuita kuti nyika irambe iri panzvimbo imwechete
Migwagwa yakashata zvakanyanya angova makoronga ega ega zvokuti haichafimbiki nedzimotokari zvisinei nekuti mitero yakakwira.
Heano mamiriro akaita mufuta ekufambisa munyika dziri mu-Africa:
PETROL DIESEL
Angola 0.33 0.28
Mozambique 1.08 0.96
Botswana 1.08 1.06
Zambia 1.21 1.19
South Africa 1.38 1.39
Zimbabwe 1.67 1.68