
Takuigiraizve zvinokufadzai pano paJolas whatsapp group apo tikuona VaBiti vachitaura nevagari vemuHighlands.
Swzvatanzwa vachitaura vati ivo munzvimbo yeHighlands mune nhoroondo yekuti vagari vemo vakagara varamba zvehudzvanyiriri, kutongwa zvemadhakanyanya uye zvemamvemve. Vataura ivo kuti Runville iri pedyo nekamba yemapurisa uye mapurisa akutambira mari shoma shoma isingakwanise kuti mhuri dzavo dzirarame.
Vataurazve kuti nyaya zhinji dzekuba nepfuti dziri kuparwa nemapurisa uye masoja nekuda kwemihoro yakaderera yavari kutambira izvi zvinoratidza kuti hurumende iri kutonga haisi kuita basa nemazvo.
Ngatinzwei zvizere pavideo riri kutenderedzwa paJolas whatsapp group +263775934930.