
Pa-video riri kutenderedzwa pa-social media tirikuona mumwe mwana wepane chimwe chikoro achiputa mbanje ari pa-road nemumwe murume asina kuzivikanwa kuti ndewepi uye kuti anoita nezvei.
Chiitiko ichi chinouya mazuva maviri tabva kunzwa kuti vana vasere vepaDominican Convent vakadzingwa pachikoro mushure mekubatwa vachiita zvembanje.
Mwana uyu vazhinji varikubvunza kuti ndewekuchikoro chipi. Nyaya dzekutora zvinodhaka dziri kuramba dzichienderera mberi muno munyika uye mapurisa ari kuedza kuita ma-campaign ekudzidzisa vechidiki kuipa kwakaita kutora zvinodhaka.
Hona video riri pano apo parikubuda mwana uyu wechikoro akamira nemumwe murume achiputa mbanje.
By Tete Jolah Msalad