
“Ini ndazongotorawo bag mambo wangu….” Aya mashoko arikutaurwa nembavha iyo yakabatwa ichibira munhu masikati machena. Mbavha iyi payabatwa yatanga kubvunzurudzwa mibvunzo nevanhu.
Payabvunzwa kuti yazviitirei tanzwa ichiti yaive yangofurirwawo. Hatina kunge taona mumwe wacho arikupomerwa mhosva yekufurira mbavha iyi.
Chiitiko ichi chinofanirwa kugara chiri chidzidzo kune munhu wose anobatwa nemweya wekuba nekuti hauzive kunosvika munhu waunenge wabira, vamwe ndivo vanozopengesa mbavha inenge yavabira vamwewo vanoipa zvirwere zvakasiyana siyana.
Hona video rembavha iyi riri pano iyo iri kuratidza kutya kukuru mushure mekubatwa sezvo tirikunzwa matauriro ayo arikuita seomunhu ada kuchema.
By Tete Jolah Msalad