
Murume wemuHarare akaendeswa kudare redzimhosva nezuro mushure mokunge apaza gonhi kwakupinda mumba zvisina mvumo yeaimbove mukadzi wake uyo waaida kuuraya naSisi vake.
Tendai Gwarimbo (40) haana kukumbirwa kuti ateterere pamberi paHarare magistrate Isheanesu Matova uyo akamuisa muchitokisi kusvika musi wa25 Nyamavhuvhu.
Akamhan’ara nyaya iyi Patience Maenzanise (33) uyo aimbove mukadzi waGwarimbo.
Dare rakanzwa kuti musi wa31 Chikunguru nguva dza10 manheru,Gwarimbo akaenda kuGreendale pa33 Hopley road uko kunogara Maenzanise kwakujamba padurawall uye akapaza gonhi kuti akwanise kupinda mumba.
Achangopinda mumba,akatora banga uye akatanga kutyisidzira aimbove mudzimai wake akamubata pahuro asi akapunyuka.
Akamhan’ara wechipiri ndiJulian Maenzanise uyo aida kubayiwa zvakare nebanga naGwarimbo.Akakwanisa kupunyuka akazvikiira mudhanduru rake.