
Hurongwa hwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa hwekuda kutwasanura bato reZanu PF musarudzo dzekutanga dzemaprimary, hwakauya mushure mokunge zvaonekwa kuti kune mamwe matsaga ari kuda kurwisa vamwe vavari kukwikwidzana navo mukati megadziriro yesarudzo dzemubato iri umo mava kuita manyama amire nerongo.
Zanu PF yakamanikidzwa kumisa sarudzo dzanga dzichifanirwa kuitwa nezuro nenguva dza11 masikati, ichiti yainge yakawandirwa nehuwandu hwevachakwikwidza.
VaMnangagwa vakange vapa vari kuda kukwikwidza musarudzo zvimazuva zvishoma zvisingasvike vhiki rimwe chete kuti vatsvage rutsigiro vasati vazivisa zuva richazoitwa sarudzo.
Pachivanhu, bato reZanu PF rinoita sarudzo dzemaprimary mushure mekunge mazuva esarudzo aziviswa.
Mutungamiri wenyika haasati azivisa mazuva esarudzo, ayo ari kutarisirwa kunge ari muna Nyamavhuvhu.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti hurongwa hwaVaMnangagwa ndehwekuvharira nhengo itsva dzeZanu PF kuti dzisakwikwidze musarudzo dzeparamende nokuti varikufungidzira kuti dzinozopandukira bato vachitsigirana nebato rinopikisa.
Sekutaura kuri kubva kumakamba eZanu PF, zano raVaMnangagwa rekuti sarudzo dzemaprimary dziitwe nechimbi chimbi kwaive kuvhiringidza vatsva vanoda kukwikwidza muma Primary Election awa kuti vasawane mukana wekutsvaka rutsigiro.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti izvi ndezvekuda kudzivirira vanhu vasingazivikanwi ava kuti vasaite mhirizhonga inogona kukonzera kuti mukuru wenyika abviswe pachigaro kana akakunda musarudzo dzegore rino.
Vanotiwo VaMnangagwa havavimbe nevamwe vevachakwikwidza musarudzo idzi uye vanotyira kuti vanogona kuzoita vhoti yebhora musango apo nyika ichavhota muna Chikunguru kana Nyamavhuvhu.
Ma primaries eZanu PF akwezva vechidiki vakawanda zvikuru zvinonzi nevanoongorora sarudzo ichi kwemukati menyika.
Hutongi hwaVaMnangagwa hwagara huzere nekunetsekana apo vaongorori vaifunga kuti havasi kuzopedza temu yavo yekutanga.
Pange paine nyaya dzekurwira masimba pakati paVaMnangagwa nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, asi vaviri ava vari kuramba izvi vachiti hakuna zvakadaro.
VaMnangagwa varikunzi varikutyira kuti vamwe vatsigiri vechidiki ndevaChiwenga vangangopinda voshanda nenhengo dzeparamende dzinopikisa kumupomera mhosva kana akakunda musarudzo dzegore rino kana kukanganisa mukana wake wekuhwina.
Muhurukuro nezuro, mumiriri weZanu PF, VaMike Bimha, vakaramba mashoko ekuti pane hurongwa hwekuchengetedza vakuru vebato.
“Hapana CV yanga isingatenderwe, asi pane mhinduro yakakura,” VaBimha vanodaro.
VaBimha vakati mazuva matsva ekuita sarudzo achaziviswa mushure mekunge politburo yasangana muguta guru reHarare mangwana.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?