
Mumwe murume wekuMpopoma arikunzi azvisungirira netambo padenga remba yake yekurara mushure mekunge chimoko chake chaanga achidanana nacho kwenguva refu chamuramba.
Mutauriri wemhuri, Herbert Moyo, ati mutumbi wemushakabvu Thando Sibanda (35) wawanikwa nehama yavo yanga yavashanyira.
“Imwe hama yanga yashanyira nenguva dza8 mangwanani yapinda mumba memushakabva yekurara kuti amuone ndokuwana munhu akarembera, zvinova zvavhundutsa yakamuwana vachimuona akarembera padenga remba,” anodaro Moyo.
Moyo aenderera mberi achiti mushakabvu asiya tsamba yekuzviuraya yatawana muimba yake yekurara.
“Tsamba iyi yanga yakanyorwa kuti ndazviuraya nekuti mudiwa wangu wenguva refu andiramba mushure mekunge tanetsana zvakanyanya achiti sei ndiri kunonoka kumuroora,” akadaro Moyo. — BMetro