
Hama dzeumwe weavo vakawirwa nenjodzi yemotokari yemusi weSvondo yakatora hupenyu hwevanhu vanomwe 7 panzvimbo yeHauna Growth Point kuHonde Valley varikunetsakana kuti ko nhengo yesikarudzi yehama yavo yakafa mutsaona yakaenda kupi.
Hapana-munhu ari kupa tsananguro inogutsa pane zvakaitika kuti pakaitika tsaona chii chakaitika kuti nengo yake izonyangarika.
Vanhu vanomwe vakafira ipapo apo mutyairi werori yaienda kuHarare yakatakura mabhanana ichiwaendesa kumusika, mutyairi wayo akatadza kuidzora pakakona ndokubva yakudumuka ichibva kuHauna Growth Point muHonde Valley oakafiwa.
Pavanhu gumi nevatatu vakakuvara, vashanu vavo vanga vari panguva yakaoma uye vakaendeswa kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial kwaMutare.
Nyanga Traffic Officer-in-charge, Inspector Loice Tandare, vakazivisa kuti vanhu vanomwe vakafa ipapo.
Zvisinei, hama dzaAbel Rutope ane makore makumi maviri nematanhatu varikushushikana nezvakasakisa kuti nhengo yesikarudzi yemushakabvu inyangarike izvo zvavarikuedza kubvunza vachishaya mhinduro inogutsa.
Hanzvadzi yaRutope, Mai Annia Chingosi vekuBuwu Village avo vairatidza kushushikana, vakaudza The Weekender kuti vachiri kuda kuziva kuti chii chakaitika kuna mukoma wavo.
Varapi vepachipatara vakatarisa mutumbi wake vakatadza kuziva kuti zvakavanzika zvacho zvirikupi ndokubva vaudza hama dzacho kuti dziende pakaitikira tsaona dzinotsvaka nhengo yacho.
Vanhu vanomwe vakauraiwa vanonzi Gracious Masuka (49), Judah Katambarare (32), Tendai Moses Mangemba (48), Tsitsi Makwiyana (14), Abel Rutope (24), Ethel Jenjani (41) naSarah Njumira (44). – Manica Post