
Mutumbi wemucheche wakawanikwa neMugovera mupombi yetsvina paLobengula Primary School muBulawayo apo zvinofungidzirwa kuti aive araswa imomo.
Mutumbi wemukomana, unofungidzirwa kuti wakaraswa muchimbuzi, wakazobuda mupombi yetsvina.
Zvakaonekwa kuti mwana uyu akaita zvekuraswa achangozvarwa naamai vake.
Mutumbi unonzi wanga uchakasimba zvichireva kuti munhu wacho aigona kunge akazvara mwana uyu husiku kana kuti mangwanani ngwanani.