
Imwe mhuri inogara muBulawayo yakasangana nenjodzi dzakapetwa kaviri apo mukadzi akashungurudzika wekuMpopoma akazviuraya nguva pfupi mushure mekuvigwa kwamai vake muchiitiko chakasiya vagari vemunharaunda vachikatyamadzwa.
Mai Sithembiso Phiri-Sibanda avo vaigara nemurume wavo kuGwanda, vakanga vaenda kuBulawayo kurufu rwaamai amai vavo vane makore makumi matanhatu nemashanu ekuberekwa, Rita Phiri.
Sithembiso akazviuraya nekuzvisungirira nejira rekuputira mune imwe yemakamuri maawa mashoma mushure mekuviga amai vake avo vanonzi vakafa muhope neSvondo.
Murume wemushakabvu akarohwa nehana, VaObadiah Sibanda vakati havana neremuromo nechiitiko chinotyisa ichi.