
MP weMkoba Constituency muGweru Hon Amos Chibaya veCCC varikufambira mberi nechirongwa chekuunganidza vavhoti vakawanda zvisinei nekuti vachangoburitswa muhusungwa
VaChibaya vari pamusangano vaimba vachiti, “Harare vanoiziva vote yavo ndiChamisa.” Vanobvumira vabvumira zvinemutsindo zvekuti unobva waona wega kuti mubato reCCC mune mufaro wakawandisa uye vanhu vanorida.
Vamos Chibaya nedzimwe nhengo 25 dzebato reCCC vakasungwa apo vaiita private meeting yavo pasina mvumo yemapurisa kuBudiriro. Mushure mekuvharirwa kwemavhiki maviri, vakazowana mukana wekubvisa mari yechibatiso. Zvichakadaro, VaChibaya vakaramba kudzorerwa shure nekumbosungwa uku ndokutotanga kufambira nyaya dzebato musi wavabudiswa muhusungwa.
By Makhoti