
Zvikoro zvakakwidza mari dzemafees vasina kutaurirana nevabereki kana kupihwa mvumo neMinistiry of Primary and Secondary Education vanofanira kuti mari dzaibhadharwa kare ndidzo dzoramba dzichibhadharwa yakadaro Hurumende nezuro.
Wakange uri mutemo kwemakore mazhinji izvozvi kuti zvikoro zvese, zveGovernment nePrivate, zvinofanirwa kuita musangano nevabereki uye kuwana mavotes akawanda vasati vawedzera mari kana mutero vozoendesa maform avo, maminutes emusangano uye budget kuHurumende.
Nekuti term raikozvino rakareba, mazuva 80 emakirasi ebvunzo uye mazuva 75 ekusiiwa pachinzvimbo chemazuva 60, Ministry yakatobvumidza zvikoro kukwidza mari nemitero zvakaenzana nenhamba yemazuva.
Pamafomu ekuongorora izvi zvinogona kunge zvakakwira kusvika pa33 percent. Hurumende yakarairawo zvikoro zvese zvebording kuti vagadzirire imba inoiswa vanorwara iyo ichange ichiiswa chero ani anenge afungidzirwa kuti angava neCovid-19
Zvidzidzo zvevasiri muclass iri kunyora zvakatangazve nezuro. Tern yechipiri yaifanirwa kunge yakatanga musi wa28 Chikumi, asi yakanonoka nethird wave yeCovid 19.
Primary and Secondary Education director of communications and advocacy Mr Taungana Ndoro vakati zvakanaka kuti zvidzidzo zvevana zvisakanganisike paterm rino.
“Term rakatanga zvakanaka uye hatisati tasangana nedambudziko kunze kwekunzwa mareports ezvikoro zvakakwidza mafees pasina mvumo yevabereki kana ministry.,” anodaro.
“Zvikiro zviti kudzinga vana nenhau yekusabhadhara mari yakakwana vakukurudzirwa kuti varege kudzinga vana. Zvinenge zvina kunaka kumudzidzi nokuti haana kuwana nguva yakakwana yekudzidza saka vana vanofanira kusadzingwa apo chikoro chichi sanoita payment plan.
Mr Ndoro vakati sezvo nzvimbo dzinoiswa vanhu vanorwara dzirimo muzvikoro, ikozvino Ministry of Primary and Secondary Education yanga ichishanda pamwe chete neMinistry of Health and Child Care kuti vaone kuti zvikoro zvine zvinhu zvakakwana zvekuti vadzivirire kukwira kweCovid-19 cases.
Mr Ndoro vakati zvinhu zvese zviri mugwara, zvikoro zvirikutevedzera mitemo yeCovid-19.
Vabereki pavaibvunzwa nezvenyaya yekudzingwa kwavana vaiti vsnoda svondo kuti vagadzirise uye kuti vana vavo vatange kuenda kuchikoro.