
Murume wekuRushinga akarara nehanzvadzi yake achida kuti apore sekuudzwa kwaanga aitwa nemaporofita.
David Jonasi wekwaChitange akarara nehanzvadzi yake iri nzira yekuti apore. Hanzvadzi yake yakanga yadzoka kumba nenyaya yekurwara kweumwe wake.
“Ndakaita izvozvo nekuti ndaida kuti ndipore, takarara tese katatu. Kaviri takaitirana musango pasi pemuti uye pekupedzisira taiva pamba,” yakadaro hanzvadzi yaJonasi.
Nyaya iyi yakataurwa naBlessmore Mavura uyo aimbova mukomana wehanzvadzi yaJonasi.
Mavura akati aifungidzira kuti pane zviri kuitika pakati paJonasi nehanzvadzi yake zvekuti akatanga kuteerera mafambiro avo uye akazosvika pamba paJonasi husiku akagogodza pamukova achitarisira kudairwa nemunhukadzi asi Jonasi akamupindura achipopota.
“Jonasi akatsamwa . “Ndakadeedza vavakidzani uye vamwe vagari vemumusha kuti vaone mashura aya, vese vakaungana pamba paJonasi kuti vaone chiitiko ichi,” akadaro Mavura.
Jonasi akabatwa nevanhu vakawanda akaendwa naye kuna Sabhuku Chitsakani uko akaripiswa mombe shanu nembudzi shanu.
Haaa nyika yoenda kumawere
It’s hard