
Mapurisa emuBulawayo asunga rori yekuSouth Africa yanga yakatakura grocery rakatutwa zvisiri pamutemo panguva yairatidzira vanhu, grocery iri rinodarika mari inoita R200 000.
Rori rabatwa mumugwagwa weBulawayo-Harare Road padhuze neZuva garaji apo mutyairi, VaPhila Vilakazi, vaiedza kuburutsa grocery racho vachiriisa mune imwe rori yaienda kuKwekwe.
Mutauriri wemapurisa muBulawayo, Inspector Abednego Ncube vanoti varidzi vezvinhu izvi vatadza kuburitsa mapepa anoratidza kuti grocery iri vapinda naro sei pamuganhu weZimbabwe.
Izvi zvaitika mushure mekunge mapurisa anofamba achichengetedza mitemo yeCovid-19 yemumigwagwa aona kuti panemarori maviri ayo anga achiofulodha grocery,” akadaro Insp Ncube.
Mapurisa akavabvunzurudza uye VaVilakazi vakaratidza kuti vaibva kuSouth Africa vachienda kuZambia.
Vaedza zvakare kupa chiokomuhomwe mapurisa akavarambira. Mumwe wevatyairi vemarori aya ayedza kutiza ndokuzodzoka ega mangwanani ano achida mota yake sezvo mota dzese dzanga dzaendeswa kuRoss Camp.
Mazuva matatu apfuura, mapurisa eBulawayo akabata mota yeToyota Quantum, yakanga yakatakura grocery kubva kuSouth Africa rainge rabiwa mumugwagwa weBulawayo-Beitbridg — Chronicle