
MUDZIMAI anogara kuChikanga, kwaMutare anonzi akasvika pakuda kuzviuraya mushure mekunyimwa bonde kwenguva inodarika gore nemurume wake.
Nyaya iyi yakabuda pachena mudare reMutare Civil Court apo Nyarai Makuyana akadhonzera murume wake, David Wasiwo, kudare iri achida kupihwa mari yemendenenzi uye magwaro ekuchengetedzwa sezvo wanano iyi yakatoparara. Makuyana akaudza mutongi wedare iri, VaXavier Chipato, kuti pane mumwe munhu akatomutsiura kuti aregedze kuzviuraya. Anoti akapangwa zvekare mazano nevabereki vake apo akanga ava kuda kuzviuraya.
Vaviri ava vakatorambana uye Wasiwo aipomera mudzimai wake nyaya dzekuita gumbo mumba gumbo kunze. Wasiwo ndiye ari kuchengeta vana vatatu pavana vana (4) vavakaita. Makuyana ari kurambisisa nyaya yekuita hupombwe.
“Handina kumbobvira ndakaita gumbo mumba gumbo kunze, asi kuti murume waari kutaura nezvake ndiye akatonditsiura panguva yandakanga ndava kuda kuzviuraya. Ndiri kurwadziwa zvikuru sezvo Wasiwo aindinyima bonde kwegore rose saka ndakanga ndava kuda kutora upenyu hwangu uye murume iyeye ndiye akatondirambidza. “Ndakapangwa zvekare mazano nevabereki nevamwe vanhu vaidawo kundibatsira,” anodaro Makuyana. Anoti Wasiwo ndiye akaparadza imba yake.
“Murume uyu akaparadza imba yechitangwena yandakagadzira achiitira kuti ange achiwana mukana wekutora vana. Mushure mekumumhan’arira kumapurisa, vakanditaurira kuti nditsvage pekugara pakanaka kuti ndikwanise kudzorerwa vana. “Sisi vake vakandipa pekugara pamwe nevana saka ndinochema kudare rino kuti andidzorere vana vangu,” anodaro. Makuyana anoda kuti Wasiwo abhadhare mendenenzi ye$12 000 pamwedzi yekuchengeta mhuri. Akakumbira dare kuti Wasiwo aregedze tsika yekumutukirira uye kumurova.
Wasiwo akaudza dare kuti anokwanisa bedzi kubhadhara mari yechikoro yevana uye haakwanisi kubhadhara $12 000 mwedzi wega-wega sezvo asingashandi.
“Handina basa randinoshanda saka ndinokwanisa kubhadhara $2 000 pamwe nemari yechikoro uye mumwe wevana ava anobhadharirwa nechirongwa cheBasic Education Module Assistance (BEAM). Tiri kuwaniswa zvekare chikafu kubva kuvatsigiri chinokosha US$70 asi mudzimai uyu anochitengesa kuti awane mari yekushandisa zvaanoda. “Ndiri kutoshaya kuti $12 000 anoidii. Ndiri kugara nevamwe vana vatatu saka $2 000 inomukwanira nemwana mumwe chete waanaye,” anodaro Wasiwo.
Zvisinei, mutongi Chipato vakati abhadhare $8 500 yemari yechikoro uye Makuyana ndokunzi anofanirwa kutengawo chikafu. Vakapa zvekare magwaro echengetedzo kunaMakuyana.