
Live-video ririkutenderedzwa pa +263775934930 WhatsApp group parikuonekwa vaNelson Chamisa vachikokwa na President mutsva weku Zambia va Hakainde Hichilema.
VaHakainde Hichilema varikugadzwa nhasi zviripamutemo kuti vave President wenyika yeZambia zvichitevera kukunda kwavakaita vaEdgar Lungu nemavhoti anosvika 2 810 757 kuchitio ivo vaLungu ndokuitao mavhoti 1 814 201.
Mazuva mashoma adarika takaona video President Mnangagwa vachizivisa nyika kuti zvakaitika kuZambia hazvife zvakaitika muZimbabwe. Izvi zviripachena kuti nhasi vaMnangagwa havasi kufara nekukokwa kwavaChamisa kuZambia.