
Mashoko kubva kwaRusape, zvirikunzi mukomana anemakore 20, anonzi Tapiwa akavhevhetedza kasikana kane makore 14 ndokukatsvetera kuti kave mukadzi wake ndokugara nako mazuva anokwana 4 achikadambura bhinzi semukadzi wake.
Musikana uyu angaachiita Form One paChiundu High School, vabereki vake vakasiyana uye anga achigara naambuya vake kubva aine mwedzi misere.
Vabereki vaTapiwa vanonzi vakamutora semuroora wavo kungotonhodza hasha dzagogo vacho uye kuponesa mwanakomana wavo kuitira kuti asasungwe nekuda kwekutyora kodzero dzomwana mudiki.
Mhuri mbiri idzi dzinonzi dzakagadzirisa nyaya iyi dzichishandisa tsika yechinyakare iyo inoti kana musikana akanonoka kudzoka kumba pakati pehusiku, kana kurara kunze, anofanira kudzokera kumunhu waange ainaye.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reRusape, Assistant Inspector Muzondiwa Clean vati havana nhoroondo yakanyatso kwana yenyaya yakadai, asi vazozivisa veVictim Friendly Unit (VFU) kuti vatevere nyaya iyi.
Ambuya vachibvunzwa nezvechiitiko ichi vanoramba kuti hakuna zvakadaro kuno zvokuti ndakamanikidza muzukuru wangu kunoroorwa.
“Ndiani akuudza izvozvo? Asi nei vanhu vachiparadzira nhema kudai? Kana uchida huya utaure nemusikana uyu umuvhunze kana akamanikidzwa kuroorwa,” vanodaro Ambuya vomwanasikana uyu.
“Akaenda kunzvimbo yemukomana wake. Ini handizive kana vari kugara semurume nemukadzi.” vanodaro vachiramba nyaya yacho.
Zvirikunzi zuva rakanonoka muzukuru sikana Ambuya vakabva vamuti ngatione kuti uchiri mhandara here, wanike tsinga yehumhandara yatodashurwa naTapiwa kare. Pachinhambo chokuti nyaya iendeswe kumapurisa vakabva vati chienda kuna Tapiwa wako uko kwaakazonosvika odashurwa bhinzi semukadzi wemumba. – Manica Post