
Akauya munyika achitsvaga mafuro manyoro kwemhedzi 17 – munhau dzenhabvu – asi izvozvi mutambi wenhabvu uyu wekuGhana ane 20 anodemba zuva raakasiya nyika yake kuti dai zvake asina kuuya muZimbabwe kuzojoinha Shabanie Mine FC.
Ishmael Dadson anonzi akapinda munyika muna Kukadzi 2020, nguva pfupi denda reCovid-19 risati rasvika munyika, kuti aende kunotambira Shabanie Mine FC kwemwedzi 17.
Mutambi uyu arikudhonza Nhamo yakaomarara arikumugodhi ku mine uko kwaarikukumbira kubatsirwa nemari yekudzokera Kumusha kwake. — B Metro