
Svondo rapfuura musi weChitatu mbavha yakazviruza apo yakadonha mumotokari panguva yokutiza mapurisa.Izvi zvakatungamira mukusungwa kwayo.
Tawanda Chinderera, ane makore makumi maviri nematatu, haana kubvunzwa kuti ateterere paakamira pamberi pemutongi wedare reHarare, Dennis Mangosi uyo akamuisa mutorongo achizobhadhara mari yecbibatiso.
Musi wa29 Chikumi Chinderera nevamwe vake vakaruka zano rekuba dhiziri kubva paEconet booster iri mukati mechikoro.
Vanonzi vakakwidza madziro ndokupinda munzvimbo iyi ndokunanga kubooster uko vakasangana naMoses Mazvombe, gadhi aive akachengetedza booster ndokumubudisira chombo chokumutyisidzira.
Mbavha dzakatanga kubvisa dhiziri mutangi apo nguva iyoyo mapurisa akabva asvika. Vakatanga kudzingirirwa izvo zvakazotungamirwa mukusungwa kwembavha