
Murume anobva kuZvishavane Amon Mapingire ane makore 34 akarohwa akafa nevashandi pamilling plant mushure mokuedza kuba.
Musi wa16 Nyamavhuvhu kumambakwedza achitungamirwa nevamwe varume vasina kudomwa mazita vakapinda mumilling plant complex kuZvishavane. Varume ava vaida kuba asi vakazovhiringwa panguva iyoyo vachibva vatiza.
Vashandi vepacomplex apa vakatanga kudzingirira varume vaya vachibva vabata Mapingire uye vakamuchinjanisa kumurova zvakaomarara. Mapinhire akafira munzira achiendeswa kuchipatara.