
H-Metro
Muimbi akahwina mubairo wegospel, Fungisai Zvakavapano-Mashavave, anoti ari kufara nekutambirwa kwe-song yake itsva yeAmapiano inonzi “Mufaro Washe”.
Fungisai akatsikisa kambo ke-Amapiano akaita collaboration naWinnie Mashaba, song yacho ichange ichirira panyepfenyuro dzese.
Achitaura neH-Metro, Fungisai anoratidza kufara nekugamuchirwa kwe-song iyi .Ndinofara kuona song yangu ichinyanyo kufarirwa, panguva pfupi pfupi.
Ndakaita zvechinyakare kuZim, house, dancehall uye Amapiano ndozvimwe.
Fungisai akaita macollaboration nevaimbi vaka siyana siyana vanoti, killer T, Jah Prayzah naMudiwa Hoodhod.