
MaTeacher ose achabhadharwa nema USD$, ma war vet ose achipihwa maUSD$, Munhu wese achenge achipihwa maUSD$, zvikoro zvichadzidzwa mahara, Munhu wese achatanga kunakirwa nehupenyu kana Chamisa ava pahu president.
Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens’s Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa, vataura nebato reZAPU pamwe ne“vose vari mune mamwe mapato” kuti vabatane nebato ravo mukuyedza kubvisa bato riri kutonga reZANU PF pachigaro.
VaChamisa vataura mashoko aya kuvatsigiri veCCC kuWhite City Stadium muBulawayo uko bato iri ranga richikurudzira sarudzo dzemusi wa 26 Kurume pamwe nesarudzo dza2023.
Tinoda kushanda nemunhu wese anofambira mberi… Vanhu vanga vachitaura pamapuratifomu akasiyana siyana, asi tiri kutanga patsva.
Hazvisisiri zvemapato. Tiri kuti kuZAPU ngatishandei pamwe chete, tiri kuti kune vose vari mune mamwe mapato, huyai tishande tose. Hazvinei nezvigaro, ndezvekuchinja kwatinoda kuvanhu veZimbabwe. Pane nzvimbo yakakwana yemunhu wese. Ndinoziva kuti vazhinji venyu makataura zvakati nezvakati asi, kwete, tinoda kuve nechokwadi chekuti tinovaka mubatanidzwa unoita kuti nyiaka iendere mberi.
Vakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvivhote musarudzo dziri kuuya vachiti zvichanetsa kubirira kana vanhu vakakwana vakavhota nehuwandu hwavo.
VaChamisa vanotaura mashoko aya apo vamwe vatsigiri veCCC, kusanganisira vamwe vakuru vakuru mubato, vakabuda pachena kuti havadi kuti vaimbova mutevedzeri webato Rava Douglas Mwonzora, Muzvare Thokozani Khupe, vauye kubato reCCC.
Amai Khupe varikupomerwa mhosva yekumboshanda nebato riri kutonga reZANU PF mukuparadza vanopikisa munyika.