
Muvambi wechechi yeZimbabwe Assemblies of God Africa (ZAOGA) Forward in Faith (FIF) ane makore 98, Ezekiel Guti anonzi ari muchinetso chikurusa ari kumba kwake kuChitungwiza.
Mashoko kubva ku-church iyi arikuti, mudzimai wava Guti, Apostle Eunor Guti akabatana nechikwata cheG40 chevechidiki vachiri kukura varikuronga kutora chechi iyi sezvo vaGuti makore avo ekurarama asara mashoma.
Mumwe mukuru wechechi yeZAOGA akaudza newspaper reZim Morning Post kuti Guti ari kunzi akavharirwa mumba nemukadzi wake achiudzwa zvokuita kuti adome vaanoda kuti vatungamirire chechi iyi.
Sekureva kwemumwe wevafundisi, muvambi weZAOGA ari kubatwa senhapwa kuitira kuti agone kudoma waanoda semutevedzeri wake.
Mukadzi wava Guti, Eunor Guti anonzi ari kushanda nechikwata chevechidiki, nenzira imwecheteyo sezvaiita Grace Mugabe paaishanda neG40 Faction.
Apostle Eunor Guti vari kutsigira chimwe chikwata chiri parizvino.
Vakuru vechich yeZOGOGA varikuzivisana kuti zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka mu chechi mavo nokuti zvirikuitwa nomukadzi wavaGuti akabatana ne G40, kereke inogona kupatsanuka kana izvi zvikafambiswa nenzira isiriyo.
Vanhu vakaita saGracious Chikore, Dorcas Jaricha naLaverne Simango / Simukai varikunzi ndevamwe varimu game iri