
Vaimbove President weZambia vaEdgar Lungu vanoti vabvisa peji ravo reFacebook nekuti vanhu varikuisa makomendi vachimuseka nokumuzvereredza
“Ndakadzima peji rangu reFacebook nemaune nekuti vanhu vari kundiseka zuva nezuva,” vanodaro vachitaura.
“Ini zvino ndoda kurarama hupenyu hwakavanzika.”
Lungu akarasikirwa nesarudzo dzachangobva kupera dzemutungamiri wenyika, chigaro chikatorwa nava Hakainde Hichilema.
Sezvineiwo, vaimbotsigira bato riri kutonga vatarisana nenguva yakaoma zvichitevera kudzingwa mabasa kwavarikuitwa nemutungamirir mutsva wemu Zambia. — Zwnews