
Vatsigiri veHighlanders nezuro vakaenda padandemutande vachida kuti murairidzi weHighlanders Mandla ‘Lulu’ Mpofu adzingwe basa zvichitevera kuita mangange akaita shasha yekuBulawayo neTenax muSakubva Stadium.
Bosso yakangohwina kamwe chete mutambo wavo weligi mwaka uno, izvo zvasiya vagara vachishuvira kuhwina vakatsamwira Mpofu.
Vakaenda ku Twitter kuti vabudise maonero avo nezvemamiriro akaita kirabhu.