
Zvikoro zvinoramba zvakavharwa sezvo hurumende inowedzera zvakare mavhiki maviri elockdown kuedza kuderedza kupararira kwedenda recoronavirus.
Hurumende yakati zvikoro zvichavhurwa kana denda recovid radzikira.Zvaive zvamborongwa kuti zvikoro zvaizoramba zvakavharwa kusvika 10 Nyamavhuvhu asi zvazoonekwa zvisina kukodzera.
Zvikoro zvaifanirwa kuve zvakavhurwa musi wa28 Chikumi asi zvakambomiswa nokuda kwedenda reDelta variant iro rakabva rapinda munyika.
President Emmerson Mnangagwa vakataura musi weMuvhuro kuti lockdown yaive yawedzerwa mavhiki maviri zvakare.
Vakataura nezvelevel 4 yelockdown vachiti yaibvumidza vemabhizimusi,varimi uye migodhi ive yakavhurwa asi vachitanga basa na8 mangwanani vachipedza na3:30 zuva rodoka,curfew inoramba iri pa6:30pm kusvika 6am mangwanani.