
Murume anobva kuMutasa akasiya vagari vemunharaunda vasina neremuromo mushure mokunge odhimanda roora rake kunanatezvara asati apisa imba yaamai vake apo aive anetsana nomukadzi wake.
Knowledge Manhanga (31) wekuDomborutinhira maMutasa District akamira pamberi peMutare magistrate Rumbidzai Kabasa akatarisana nemhosva mbiri.
Akaonekwa aine mhosva uye achatongwa nhasi.Manhanga akapisa kicheni yaambuya vake munguva yokunetsana nomukadzi wake.
Inyaya yeHurumende yokuti imwe nguva mwedzi uno, vaviri vakanetsana mumba mavo nokuda kwemhirizhonga dzemumba.
Mukadzi akadzokera kuvabereki. Zuva rimwechetero kuma9 pm, Manhanga akaenda kumba kwatezvara vake, Charles Kombedzai uko akasvika achidhimanda roora rake.
Papera awa imwe, Manhanga akatungidza imba yaambuya,pakatsva masofa, huku 23, bhara uye zvose zvaikosha $USD37 000.
Mupomerwi akapisa zvakare kicheni yaamai vake pasina anoziva chikonzero chakataurwa.