
Bhinya rekuBindura kwaKwaramasa Kwaramasa wemuguta reChiwaridzo akatongerwa makore makumi mashanu nemashanu nemutongi weBindura Lungile Ncube mushure mokubata chibharo mwanasikana wemakore matanhatu.
Muchuchisi Gossy Mudambu akaudza dare kuti pakati paApril naMay gore rino Kwaramasa akakwezva vana vadiki vatanhatu musango nguva dzakasiyana avo vakabata chibharo.
Mapurisa akakwanisa kumuvandira ndokumusunga.