Varoyi vatatu vanonzi vakadonhera pasi paJohanne Masowe shrine kuMazongororo makiromita gumi nemashanu kubva kuMpandawana kwaiitwa minamato neMugovera, akadaro mutungamiriri wechechi Madzibaba Joshua.
Madzibaba Joshua (31) vanonzi Shepherd Nduru zita ravo chairo vanoti varoyi ava, vese vekuGrowth Point vaitsvaga mumwe wevavo vavaishanda naye uyo akasiya zvekuroya ndokuzopinda chechi. Vakati varoyi vaive vakatakura tsuro nechikwambo (tsvimbo, tsuro nezvuma) .
Nduru akaramba kupa mazita akazara evaroyi kana mifananidzo yavo asi akati iye Constance mumwe (zvino anonzi Madzimai Martha) ndeweboka rimwe revaroyi uye vaizochinjana kuuraya hama kana mwana kuti vawane nyama. Zvisinei, Constance akasiya boka iri ndokujoina Johanne Masowe pakasvika nguva yake yekuti mwana aurayiwe.
Izvi zvakatsamwisa vamwe vatatu vakatanga kutsvaga Madzimai Martha asi nekuda kweminamato ine simba yaTendai Gwatidzo (Madzibaba Edbon) mutungamiriri wechechi, varoyi vatatu ava vakadonhera patemberi apo Madzimai Martha aive pakati pevanhu vainamata.
“Panguva yemunamato waMadzibaba Edbon, Madzimai Martha akatanga kuratidza kurira kwezizi. Vaimbi pavaiimba zvakanyanya pakava nemhepo ine simba uye vakadzi vatatu vasina kupfeka vakaonekwa, ”akadaro Madzibaba Joshua. Varoyi vakasimbisa kuchechi kuti vaitsvaga Constance uyo akatiza ndokujoinha chechi payakasvika nguva yake yekuuraya muzukuru wake. Varoyi vatatu vakaunzwa uye vakaitwa kuti vape maturusi avo ese ehuroyi.
Varoyi vakaburitswa kunze kwaedza kuti vadzokere kumba sezvo varume vavo vangadai vakafira kuhope kwavo dai varoyi vakasvika kumba kwayedza, akadaro Nduru.
Dzimwe nhengo dzeJohanne Masowe, Ellen Mazhinji naEmillia Matope avo vaiti vaive kuchechi vakatsinhirawo chiitiko ichi. The Mirror inoudzwa kuti Madzibaba Edbon vanga vari veJohane Masowe mutungamiri kubva 2005.