
Mapurisa eku South Africa atumira mashoko paTwitter kuti akwanisa kuwana Coffin rainge ratakurwa mumazuva e-looting munzvimbo yeEzinqoleni muKZN.
Munhu wese arikushamisika kuti zvechokwadi here munhu anga looter Coffin.
Hazvisati zvanyatsojeka kuti sei munhu uyu aka-looter Coffin aida kuzorishandisa pai.
NeSvondo 18 July, National Joint Operational and Intelligence Structure, yakabatanidzwa nechikwata cheNational Defence Force, mapurisa neState Security Agency, vakakurudzira vanhu vose vainge va-looter zvinhu kuti vazvidzosere voga pachavo vasati vateverwa.