
Mudzimai anoita zvekubiridza kuEmakhandeni kuBulawayo akatarisana nenguva yakaoma nekuti murume waanodanana naye ane shanje anomurova pese paanomuwana achitaura nemurume chero upi zvake.
Mumwe muvakidzani waFaith Ndaba (29), uyo akakumbira kusadomwa zita rake, akati murume waFaith aigara kuSouth Africa, uye anouya kuZimbabwe kamwe chete pagore.
Saka mukadzi uyu anoita zvose zvaanoda sezvo murume ari kure asi hondo ndeyekurohwa nechikomba sezvo chiine shanje.