
Hurumende yeZambia inonzi yafunga kuvhara zvachose Internet pazuva rekuvhota kutanga nemusi we Thursday, 12 August 2021.
Zambia yatora danho iri nechinangwa chokuedza kudzivirira vanhu kuti vasakasike kuziva zvinenge zvabuda musarudzo.
Mukuru wePublic Policy kuFacebook, kuSouthern Africa, Nomonde Gongxeka-Seopa akurudzira hurumende yeZambia kuti isavharire vanhu internet panguva yesarudzo.
Gongxeka-Seopa ataura pa interview neHot FM yekuSouth Africa kuti Facebook yanga ichikurukura nezvekodzero dzevanhu vemu Zambia pamusoro pekukosha kokuti vanhu varambe vakavhurirwa masayisayi panguva yekuvhotwa kwevanhu.