
Iye zvino yava nguva yokubvisa vaMnangagwa pachigaro pachishandiswa impeachment……
Aimbova mukuru mubato reZanu PF mudunhu reMashonaland Central arikuronga kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vabviswe pachigaro achivapomerwa mhosva yokuwisira pasi hupfumi hwenyika, uye kutyora kodzero dzevanhu pamwe nekutadza kutevedza bumbiro remitemo yenyika.
VaGoodman Musariri, avo vakadzingwa mubato reZanu PF gore rapfuura nekuda kwekusaremekedza VaMnangagwa, vati mamiriro ezvinhu muZimbabwe ava kuenda kumawere chirongwa chechipiri che-operation restore legacy chava kufanira kuti chichiitika parizvino nenzira yeuto raNovember 2017 iro rakabvisa vaMugabe ndiro ririkufanira kubvisa vaMnangagwa nokukasika.
VaMnangagwa vakatora masimba nechisimba vakapidigura hurumende yava Mugabe vachishandisa mauto muna November 2017, izvo zvakazoita kuti vakwanise kubvisa mushakabvu Robert Mugabe pachigaro.
Newsday rinoudzwa kuti, iye zvino yava nguva yokubvisa vaMnangagwa pachigaro pachishandiswa impeachment vasati vawisira nyika pasi.
VaGoodman Musariri varikukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe, kuti zvisangogare, asi kuti zvisimukai zvibatane zviende kunofora zvakare sezvakamboitika munaNovember 2017.
“Saka, nekutenda, vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kufora zvakare mukubatana kwakakura kudarika kwa2017, panguva ino vakanangana nematsotsi akakomberedza President Mnangagwa pachavo.”
Vati kukwidziridzwa kwaVaMnangagwa muna 2017 kwaive kuburikidza nemusangano weZanu PF wepakati wekomiti, nekudaro kwaive kusina maturo.
Mutauriri weZanu PF, vaSimon Khaya-Moyo varamba kutaura pamashoko aMusariri awa. — NewsDay