
Mwonzora; Zita Rokuti MDC Nderedu
Hondo yeInternecine iri kutanga pamusoro pekushandisa zita rekuti MDC pamberi pesarudzo dzemuna 2023, mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vachiti bato ravo ndiro chete ririkutenderwa kushandisa zita rekuti MDC nokuti ndiro bato rinozivikanwa kubvira muna 1999.
Vachitaura panguva yemibvunzo nemhinduro paHSTV, nhepfenyuro yeAlpha Media pamhepo uye paterevhizheni, VaMwonzora vakati bato ravo ndiro chete rine zita rekuti MDC zviri pamutemo.
Akaudza mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, kuti vatsvage zita idzva rebato ravo rezvematongerwo enyika pamberi pesarudzo dzemuna 2023.
āChinangwa chedu hachisi chekumisa vanhu kukwikwidza musarudzo; vanhu vanoda kukwikwidza musarudzo vanofanirwa kusununguka kukwikwidza musarudzo vachishandisa zita ravo vosiyana nezita redu rekuti MDC, āadaro Mwonzora.
MDC yakapatsanuka kakawanda kubva payakaumbwa muna 1999. Muna 2005, kupatsanuka kwayo kwakaita kuti paumbwe MDC naWelshman Ncube. Gare gare, VaJob Sikhala vakaumba MDC99 yavo, asi hapana kana mumwe wavo akazvuzvurudzwa kumatare nekuda kwekushandisa zita iri.
VaMwonzora vanoti vachanetsana nani zvake munhu achaedza kushandisa zita rekuti MDC munguva yesarudzo.
Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vakabuda vachiti hapana chikonzero chekuwana zita idzva, asi panzvimbo pezvo, vanogona kuitq mubatanidzwa we Alliance voisa VaChamisa pahutungamiriri sechibvumirano chavo. ā Newsday