
Murume ane makore 58 ekuberekwa wekuGwanda awanikwa akarembera pamuti muchiitiko chokuzvisungirira.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland South, Inspector Loveness Mangena, vanoti Rodger Moyo wekuMaphane 2 Village abva pamba asina kuoneka ndokubva ananga musango umo maazowanikwa nemuzukuru wake akarembera pamuti.
Muzukuru wacho ati chakakonzera kuti SEKURU vake vazviuraye hachizivikanwe. — Chronicle