
Chiitiko chinotyisa chaitika musikana anemakore 16 ekuberekwa, azvara Mwana wake ndokubva amuuraya akanomuviga mugomo.
Chiitiko ichi chaitikira kuMatobo, apo mapurisa arumwa nzeve nezvechiitiko ichi ndokubva vasunga musikana vachimupomera mhosva yekuuraya mwana wake mucheche achangozvarwa ndokubva anomucherera mugomo.
Mapurisa azivisa nezvechiitiko ichi achiti arikumboferefeta kuti sei musikana uyu azarudza kuita chiga chinotyisa ichi kudai. — Chronicle