
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti ruzivo rwevhu, kunyanya kumaruwa, rwainongedzera mamiriro ezvinhu munyika, nekudaro hurumende inoda kuti isiye zvematongerwo enyika iuye nezano rakanaka rekukunda muhondo yeCOVID-19.
VaChamisa vachitaura nezuro vakaudza NewsDay kuti mamiriro echirwere che COVID-19 akomba hazvichadi kuti hurumende irambe ichiita zvairikuita inofanira kutarisana nokurwisana nechirwere cheCovid-19 kwete zvairikuita zvokurwisana nezvematongerwo enyika apo vanhu vanopfuura 2 600 vaurayiwa nechirwere ichi.
“Panofanirwa kuve nehurongwa hwakajeka hwekuita, uye ndinonetsekana nemamiriro ezvinhu muzvipatara. “Hakuna oxygen munzvimbo zhinji uye varombo vanoonekwa vachifa zvisina tsarukano nguva yavo isati yakwana.”
Akawedzera kuti: “Zvinodhura kupinzwa muchipatara mazuva ano uye vanhu vangani vanokwanisa kuzvitenga? Zvinhu hazvina kumira zvakanaka, kunyanya kumaruwa. Mhuri dzinokanganiswa uye ndiyo emergency chaiyo, tsaona chaiyo inoda kuti hurumende igadzirise kwete kuita busy nezvematongerwo enyika.
Mutungamiri weMDC Alliance akati zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende, nokudaro panodiwa kuvandudzwa kwenzira dzekuendesa hutano munyika.
Vati vakuru vakuru vanofanirwa kugadzirisa njodzi yezvekutakura vanhu sezvo zviuru zvevanhu vemuZimbabwe zviri kuramba zvichionekwa mumitsetse uye mumabhazi eZupco ayo arikungobvimidzwa kushanda oga, asi achizokundikana kutakura vanhu vose nokuti vakawandisa.
“Iyi inyaya chaiyo yechimbichimbi uye nyika inofanirwa kunge yave panguva yakaoma.” akadaro. Newsday