
NeChitatu svondo rino kuma1 masikati apo Reneiloe Setoboli (53) aifamba achitevedza Shetland Road mudhorobha reQueens Park East akanzwa kuchema kubva kumunda wechibage.
Achivhiringidzwa neizvozvo akafamba achipinda mumunda wechibage, zvakamushamisa akaona mukadzi achidzipa mwana wake netambo yeshangu.
“Akapopotera mukadzi uye, akasunungura mwana nekutya uyo akamhanyira kwaari achikumbira ruregerero. Pakange paine mushonga wemakonzo uye bhodhoro rakanga rizere nechakakanyiwa padivi pemukadzi uyu, ”akadaro mudzimai uyu anoshanda kuZimbabwe Saints sports bar.
Setoboli akati vagari vemo vakabata mukadzi uyu vachimuendesa kukamba yemapurisa.
“Vagari vemunzvimbo iyi vakaendesa mukadzi uyu kuQueens Park Police Station kuti asungwe,” akadaro.
Anotaura ari pedyo nekuferefetwa akati: “Pakutanga kuferefetwa kwakaburitsa pachena kuti mupomeri ainwa muchetura kuti azviuraye. Iye nemwana wake vakaendeswa kuzvipatara zveUnited Bulawayo kunoongororwa nachiremba, ”akadaro mumwe munhu ayi ferefeta nyaya.
Mutauriri wemapurisa muBulawayo Inspector Abednico Ncube vakasimbisa chiitiko chekuyedza kuuraya:
“Ndinogona kutsinhira kuti takasunga mumwe mukadzi akabatwa achinzi akadzipa mwana wake ane makore masere netambo yebhutsu apo padivi pake paive nebhodhoro rakanga rizere nechakakanyiwa, mushonga wemakonzo nezvidimbu zvebhodhoro. “Tinoda kukurudzira vanhu kuti vatsvage mazano kumapurisa eVictim Friendly Unit (VFU) kana kuenda kumapasita pese pavanosangana nedambudziko kumba.”