
Sangano rinomirira vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR) rinoyambira vanotengesa mayunifomu nezvimwe zvinoshandiswa nevana kuchikoro kuti vasakwidze mitengo yezvinhu izvi zvichitevera kuvhurwa kwava kuitwa zvikoro svondo rinouya.
Hurumende nemusi weChitatu chino yakazivisa kuti zvikoro zvichavhurwa nemusi wa30 Nyamavhuvhu kuvadzidzi vari kunyora bvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level uye vamwe vose vachizovhura musi wa6 Gunyana. Mukuru wesangano reCZR, VaDenford Mutashu, vanoti vezvitoro vanofanira kutengesa mayunifomu nezvimwe zvinodiwa nevadzidzi vachishandisa mitengo yagara iriko.
“Vabereki vazhinji nevana vechikoro vakakanganisika zvakanyanya nekuda kweCovid-19 kubva mukufirwa nehama pamwe chete nekubhadhara mari kuzvipatara uye vamwe vachiri mubishi kubhadhara mari kuzvipatara nekuda kwedenda iri, kana zvimwewo zvinodyidzana nechirwere ichi. Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, vezvitoro havafanire kutora mukana wekuvhurwa kwezvikoro vodhurisa zvavanotengesa.
“Sangano redu richange richishanda nevemutemo kuona kuti vanotengesa havasi kukwidza mitengo zvisina tsarukano,” vanodaro VaMutashu.
Vanoti munhu wose munyika akakanganiswa nekuda kweCovid-19 naizvozvo panofanira kuva nemushandirapamwe mukusimudzira upfumi hwenyika.
Chishuwo chavo, vanodaro VaMutashu, kuti mwana wose akwanise kudzokera kuchikoro pasina zvimhingamipinyi.