
Commissar wezvematongerwo enyika mubato reZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vakapinda mutsaona vachangopfuura Rusape apo vakapinda murori yaive yakatakura masimbi.
Vane ruzivo nezvetsaona iyi vanoti chiitiko ichi chakaitika nenguva dza6: 45 masikati nezuro.
Hapana akakuvara zvakanyanya asi vaChinamasa vainyanyochema nepachipfuva. Vakaendeswa kuchipatara cheRusape pakangoitika tsaona iyi.
Mapurisa akaramba kutaura.