
Vanhu vaive panhamo kuMupmalanga vaifanira kutiza nehupenyu hwavo musi weSvondo 8 Nyamavhuvhu.
Izvi zvakauya mushure mokunge vaona ziblack mamba raive paneumwe muti kumakuva.Vaifanira kumirira Bushbuckridge Municipality Fire and Rescue services kuti iuye kuzotora nyoka iyi.
Anoshamiswa,Nicholus Ntusi akaudza Daily Sun kuti vanhu vaiimba vakamirira kuvigwa mukweguru apo village headman vakadeedzera zvine ruzha kuti nyoka mumuti.
Munhu wese akaita rutsoka ndibereke, aziva kwake aziva kwake.Chitunha chakasiyiwa chega.VeCockroach Mdhluli vekuBushbuckridge vakafonerwa ipapo kuti vauye.
Kuvigwa kwemutumbi kwakatombomira kweawa sezvo vanhu vaive vatiza nehupenyu uye kuti nyoka iyi ibviswe neveCovkroach.Nyoka iyi yaive yakareba 2.5m
Nyoka yaifanira kunge yakanzwa ruzha rwevaiimba ikabuda.Pamakuva apa pakazara miti uye mamwe makuva akatovhurika zvichida nyoka iyi yairarama nehonye dzezvitunha.