
Kwemazuva matatu, chitunha chemurume wechidiki wekuRaffongora chinonzi chaiimba chichidairira nziyo dzaiimbwa nevaiva parufu, mushure ndokukosora zvikaita kuti vanhu vepere kutiza nekutya.
Vanhu vaiva parufu rwaAffet Mupeyami (19) vanonzi vakaita rurasademo vachitiza mumba maive nechitunha chake apo chinonzi chatanga kuimba chichidzvova nezwi rake “chairo”, asi pashure ndokuzonzwikwa nezwi remunhukadzi izvo zvakaita kuti mufi anonoke kuvigwa vehama vachitya kufushira munhu mupenyu.