
Commuter passenger rail service iri kutarisirwa kutanga kufamba nhasi masikati richifamba maroutes 3 muHarare sezvo Zupco neNational Railways of Zimbabwe zvebata pamwe chete kuti zvidzore kunetsa kwetransport.
Maservices mamwe chete akuitwa kuBulawayo. Zvitima zvemuHarare zvakutanga kufamba nhasi masikati. Mubhadharo wacho mumwe chete neuri kubhadharwa paZupco bus kana kombi 60 bond paroute yega yega.
Kuvhurwa kwezvikoro kwakozeresa kuti pave nedemand yezvifambiso. Vanhu vanga vakuita zvekukwira mushikashika nedzimwe mota dzisiri pamutemo. .
Musi weChishanu vanhu vakanga vakaungana mutown vakamirira mota dzekufambisa asi pakanga pasina. Zupco irikutora mamwe bus nemakombi kuti zvikufambisa zviwedzere. Paiswa timetable yemafambiro achange achiita chitima
“Kune vane dzimota dzavo vanofanira kutevedzera mutemo wemugwagwa kuti mota dzisaungane panzvimbo imwechete. Zvinobatsira kuti mabhazi nemakombi zvekurumidze kudzoker kunotor vanhu,” Zupco inodaro.
Zupco company inozivisa vanhu kuti zvese zvichagadzirisika nekufamba kwenguva.