
Murume anongombeyawo zvake nenyika, Chipochashe Gomo, ane makore makumi maviri, akamira pamberi pedare nezuro achipomerwa mhosva yekubata chibharo pamwe nekuba.
Mumhan’ari ane makore gumi nemanomwe ekuberekwa uye anogara kuWaterfalls uko kwaanoshanda semusikana webasa ukuwo Gomo asina pekugara uye achigara pedyo nerwizi Mukuvisi kuWaterfalls.
Dare rakanzwa kuti nemusi wa9 Chivabvu kuma1 masikati, mumhan’ari aive munzira achienda kumba apo akasangana naGomo, uyo akabvunza zita rake achibva atanga kumutevera.
Gomo akabvunza mumhan’ari kana aida kuperekedzwa kwaaienda asi akaramba.
Akamubvunzawo nhamba yake yefoni yaakarambawo kumupa.
Akazomusundira pasi iye ndokutanga kuchema, asi Gomo akamubata mutsipa ndokutyisidzira kumuuraya kana akaramba achichema zvikatungamira kuti arege kuchema.
Gomo akabva amukwevera mumunda wechibage uko kwaakamubvisa hembe dzese ndokumubata chibharo.