
Gogo Gladys Makoni votya kurara husiku. Izvi zvinouya mushure mokutambudzwa zvakaomarara nemweya womurume wavo akafa uyo ave kuuya kuzoita bonde navo husiku.
Uye kunyangwe zvaive zvakanaka kunzwa pakutanga, gogo zvino vaneta nazvo uye vanoda kubatsirwa kuti zvimire.
Gogo (75) wekuBrakpan kuEkurhuleni vakati vaive vakaroorana nemurume wavo kwemakore 45. Panguva iyi vakange vasisaite bonde.
Gogo Gladys vakati chinhu chinoshamisa ichi chakatanga kuitika muna Kukadzi uye vakafunga kuti inyaya yekusuwa murume wavo.
“Asi ndave kunyanya kunetseka sezvo zvoitika mazuva ose.
Ndoita sei nhai hama? Ndatambudzwa nasekuru.