
Mangwanani mhuri yeZimbabwe. Endai pa-Jolas WhatsApp Group +2637878767654 uone zvichange zvichitora nzvimbo kuCity Of Kings And Queens KuBulawayo.Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vachange vachitaura KuBulawayo nhasi uye tichakuunzirai zvizere kubva kuWhite City Stadium. Vamwe vatopinda munhandare kubva kuFairbridge, pamuzinda wemapurisa anodzivirira mhirizhonga.
Zviri kuratidza kuti nhasi mapurisa achange ariko kuti adzivirire mhirizhonga, kwete kuita zvaakaita musi weMugovera 26 Kukadzi apo akadzingirira vanhu, kuvadira mvura inovava zvose nekukanda ma-teargas.