
MAPURISA ekuBeitbridge asunga mwana ane makore 18 nemhosva yekubata mwanasikana ane makore 11 chibharo.
“Musi wa11 Nyamavhuvhu Mapurisa ekuBeitbridge akasunga mumwe mukomana nemhosva kubata chibharo kwaakaita kune mwana ane makore 11 ekuberekwa pazviitiko 4 zvakasiyana. Aibata mwanasikana uyu chibharo pamabirthday party. Tete vemwana akabatwa chibharo vakataura zvese zvavakataurirwa nemwanasikana, ”akadaro mapurisa.