
Zvimwe zvinoshamisa zvabuda mudare redzimhosva apo vaimbove mudzimai waVP VaConstantino Chiwenga, Marry Mubaiwa, ari kupomerwa mhosva yekuda kuvauraya apo vairapwa vari kuSouth Africa muna 2019.
Mukubvunzurudzwa nemutongi wedare reHarare, Feresi Chakanyuka nezuro, mufakazi wechipiri weHurumende, Tawanda Dzungudza, akatsinhira kuti akanzwa Mubaiwa achimanikidza VaChiwenga kuti vamuperekedze kubuda muchipatara.
Akaudza dare kuti akabva angobuda mukamuri umu ndokunoudza kuvakuru vake, vaviri ava vasati vabuda pamusiwo apo Marry Mubaiwa aiva achibatsita VaChiwenga kufamba akavabata
By Makhoti
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?