
IOL.news
Vanhu vana vakakuvara panguva yekusawirirana pakati penhengo dzeAlex Dudula Movement nevanogegedzera kunze kwenyika muAlexandra kuchamhembe kweJohannesburg nemusi weMuvhuro, mapurisa akadaro.
Mutauriri wechikwata ichi Brigadier Brenda Muridili vati mapurisa aive ari paPan Africa Mall muAlexandra apindura kunetsana kwakaitika pakati pechikwata chinozviti Dudula Movement nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika nenguva dza9 mangwanani.
“Vanhu vana vakakuvara mukurwisana uku, varume vatatu vekuMozambique vane makore ari pakati pe36 ne52 pamwe nemuSouth African ane makore 38 okuberekwa. Vanhu vakakuvara vakaendeswa kukiriniki kunorapwa,” Brigadier Muridili vanodaro.
Mumashoko avo Brigadier Muridili vati mapurisa anochengetedza veruzhinji akakwanisa kudzora zvinhu. Case yemhirizhonga yeruzhinji yakavhurwa. Zvichakadaro, vatungamiri veAlex Dudula Movement vakati kuvharwa kwemazuva mashanu kwakarongwa kutanga musi weMuvhuro.
Mutauriri wesangano iri akaudza nhepfenyuro yeNCA kuti vanhu havasi kuenda kumabasa uye zvikoro zvichavharwa, zvitoro zviviri chete ndizvo zvichabvumidzwa kuvhurwa kusvika masikati kuti vagari vatenge zvinhu. Vati kuvharwa, kwakanangana nekudzinga zvizvarwa zvekunze zvisina magwaro munzvimbo iyi, kuchaenderera mberi kudzamara zvavari kuda zvaitwa.
Sangano iri rati vekunze ndivo vari kukonzera kukwira kwemhosva, kutengesa zvinodhaka pamwe nekubira zvizvarwa zveSouth Africa mabasa. Mumavhidhiyo akagovaniswa pasocial media, zvitoro zvakavharwa uye matende evatengesi akadzurwa.
Dudula Movement inoshanda muAlexandra chete, ukuwo Operation Dudula yanga ichitarisa kune dzimwe nzvimbo muJohannesburg.