
Murume wekuChitungwiza akasangana nemurume wemukadzi waaidanana naye mushure mokunge amushanyira kumba kwake sezvo aive akaudzwa kuti baba vepamusha vaive vakambovhakacha.
Combo Marwa, ane makore makumi matatu nemasere, wekuZengeza 5 aifanirwa kutsungirira kunyadziswa paakavharirwa pakona nemurume wekuChitungwiza uyo aimbova councillor, Obert Muchawaya nehama dzake apo aive aenda kunowana nguva yakanaka naPlaccidious Mukwada Muchawaya.
Mukwada anga asiri pamba neChitatu manheru pakasvika Marwa uye hapana ane ruzivo kuti zvakafamba sei kuti baba vemusha vaerekana vadzoka.
Muchato wemakore makumi maviri nematatu pakati paMuchawaya naMukwada wakaparara mushure mechiitiko ichi.